• Login
  • Register
The Zimbabwe Sentinel
Advertisement
  • Home (new)
  • Local News
    • Politics
    • Economy
    • Local Government
  • Business
  • Lifestyle
  • Tech
  • Sports
  • Opinions
  • Community Focus
  • Civil Society
    • Citizen Files
    • Social Welfare
    • Gender
  • Gallery
No Result
View All Result
  • Home (new)
  • Local News
    • Politics
    • Economy
    • Local Government
  • Business
  • Lifestyle
  • Tech
  • Sports
  • Opinions
  • Community Focus
  • Civil Society
    • Citizen Files
    • Social Welfare
    • Gender
  • Gallery
No Result
View All Result
The Zimbabwe Sentinel
No Result
View All Result
Home Blogs

Vagari vokumbira kuvakwa kwezambuko remakumbo

@Hurungwe Community Radio 2022

zimsentinel by zimsentinel
January 12, 2022
in Blogs, Citizen Files, Community Focus, News
0
0
SHARES
9
VIEWS
Share on FacebookShare on Twitter

NaClaire Gumbo

Vagari vemudhorobha reKaroi vari kukumbira kanzuru kuti ivavakire zambuko remakumbo pakati pemusha weChikangwe, Claudia neChiedza. Mumwe mugari Douglas Rubaya anove mukomana wechidiki ati:

“Zvandaona panoyambuka vanhu kubva ku Chikangwe kuenda kuClaudia zvandirwadza uye kupisa tsitsi. Dai kanzuru yagadzira zambuko sezvo vanhu vari kutambura kuyambuka. Pane njodzi yekuti panogona kukuvarwa kana kufiwa sezvo matombo akaiswa sezambuko achitsvedza.”

Kushaikwa kwezambuko kwaro idambudzikowo kuvana vezvikoro avo vanoenda muzvikoro zvinoti Chikangwe High School, Champion Gwande kana Chiedza Karoi Secondary netsoka. Dambudziko iri rabuda musi weMuvhuro uno panayawo mvura yakati wandei mudhorobha reKaroi. Mai Rhoda Mukari vati madzimai nevana vaduku vatove panguva yakaoma.

“Kushaikwa kwezambuko munguva yezhizha idambudziko guru mudhorobha redu. Dai kanzuru yakasira pasati paita tsaona.”

Hurungwe Community Radio yakataura nemutauriri wekanzuru VaPrecious Nharara avo vakavimbisa kuti pane hurongwa hwekuvaka zambuko panzvimbo iyi. VaNharara vati,

“Zambuko pakati peClaudia neChikangwe inyaya iri muhurongwa hweKanzuru yenyu vagari zvichibva nekuti sepanguva ino yekunaya kwemvura vagari kusanganisira kunyanya vana vanoenda muzvikoro vanoomerwa zvakanyanya pakuyambuka.”

VaNharara vakati ivo pamusangano waitwa nezuro wekushandiswa kungaitwe mari yekuvandudzwa nharaunda (Devolution) zvakawiriranwa kuti imwe yacho mari iyoyo ishande kugadzira zambuko iroro. Vakawedzerawo kuti zvakazowiriranwa kuti nyangwe mari dzinowanikwa nekanzuru pachayo dzigadzirise dambudziko nekukasira.
Kunze kwevana vechikoro nzira iyi inoshandiswa navana mai vanenge vachienda kukiriniki nevana nevamwewo vanoda rubatsiro kukiriniki iri kuChikangwe. Ruzhinji runoshandisawo nzira iyi kufambirawo zvakasiyana siyana sezvo pasina motokari dzinotakura vanhu pakati pemisha iyi.

Previous Post

ZIMBABWE DEMOCRACY INSTITUTE (ZDI)

Next Post

Media Centre changing lives in Hurungwe

Next Post

Media Centre changing lives in Hurungwe

Leave a Reply Cancel reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

Recent News

Improve on accountability, government urged

March 7, 2022

Mutoko Residents reject PVO bill

March 7, 2022

Europe after the Second World War

January 21, 2022
The Zimbabwe Sentinel

The Zimbabwe Sentinel, always providing an alternative view to news on the Zimbabwean market

Follow Us

Browse by Category

  • Analysis
  • Blogs
  • Business
  • Citizen Files
  • Civil society
  • Community Focus
  • Community Roundtables
  • Culture
  • Economy
  • Entertainment
  • Gender
  • Health
  • Impact
  • Investigative Reporting
  • Lifestyle
  • Local Government
  • News
  • Opinion
  • Opinion & Analysis
  • Politics
  • social
  • Social Welfare
  • Sport & Culture
  • Tech
  • Uncategorized
  • Vacancies
  • World

Improve on accountability, government urged

March 7, 2022

Mutoko Residents reject PVO bill

March 7, 2022
  • Local News
  • Business
  • Opinion & Analysis
  • Citizen Files
  • Lifestyle
  • Sport & Culture
  • Tech

© 2021 EDITOR IN CHIEF: EARNEST MUDZENGI ZimSentinal News

No Result
View All Result

© 2021 EDITOR IN CHIEF: EARNEST MUDZENGI ZimSentinal News